Revelation of John 15

Vatumwa Vanomwe naMatenda Manomwe

1Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera. 2Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari 3uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti:

“Mabasa enyu makuru uye anoshamisa,
Ishe Mwari Wamasimba Ose.
Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,
imi Mambo wamakore.
4Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe,
kana kukudza zita renyu?
Nokuti ndimi moga mutsvene.
Ndudzi dzose dzichauya
dzigonamata pamberi penyu,
nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”
5Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka. 6Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo. 7Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. 8Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

Copyright information for SnaBDSC